Revision 23461 of "Muzanehwaro" on snwiki

Muchidzidzo [[masvomhu]] '''muzanehwaro''' (logarithm in English) yenhamba '''X''' kuchitevedzwa [[hwaro_(muradanuro)|hwaro]] '''b''' ndiyo nhamba inofanirwa [[kuradanura]] '''b''' kuti pazobuda '''X'''. 

Somuenzaniso 1000  =  10<sup>3</sup>; apa zvinoreva kuti kana kuchitevedzwa hwaro 10, [[muzanehwaro]] wa 1000 ndiye 3. Apa muzanhehwaro zvinoreva nhamba inofambidzana kana kuti inouya '''(kuza)''' pamwe nehwaro 10 kuti pabude 1000.


==Kupiwa kwezita==
 
Shoko rokuti ''kuza'' rinoreva kuuya. Izwi iri rinowanikwa muchirevo chinoti, "Garwe haridyi chebamba charo chinoza neronga" - kuza neronga, kureva kuti chinouya makare mu[[rwizi]]. Mamwe mazwi anoshandisa vara rokuti kuza ndeaya anotevera:

*Muzamhindo - kureva anouya nerima (mhindo) kana anouya murima.

*Muzanarwo - zvichinyanya kureva anouya narwo [[rufu]].

*Muzanenhamo - kureva uyo anouya nenhamo.

[[en:logarithm]]

[[category:masvomhu]]